Menu

MAPISAREMA 54

BIB

1 Ndiponesei, imi Mwari, nezita renyu; ndiruramisirei nesimba renyu. 2 Inzwai munyengetero wangu, imi Mwari; teererai kumashoko omuromo wangu. 3 Vatorwa vanondirwisa; vanhu vane utsinye vanotsvaka upenyu hwangu, vanhu vasingazivi Mwari. Sera 4 Zvirokwazvo Mwari ndiye mubatsiri wangu; ishe ndiye anonditsigira. 5 Zvakaipa ngazvimonere pane avo vanondireva; muvaparadze pakutendeka kwenyu. 6 Ndichakubayirai chipiriso chokungopa; ndicharumbidza zita renyu, imi Jehovha, nokuti rakanaka. 7 Nokuti akandirwira pamatambudziko angu ose, uye mukukunda, meso angu akatarisa vavengi vangu.

Everything we make is available for free because of a generous community of supporters.

Donate