MAPISAREMA 57
BIB1 Ndinzwirei ngoni, imi Mwari, ndinzwirei ngoni, nokuti mweya wangu unovanda mamuri. Ndichavanda mumumvuri wamapapiro enyu, kusvikira njodzi yapfuura. 2 Ndinodanidzira kuna Mwari Wokumusoro-soro, kuna Mwari anozadzisa chinangwa chake kwandiri. 3 Anotuma kubva kudenga agondiponesa, achituka vaya vanondidzingirira nehasha; Sera Mwari anotumira rudo rwake nokutendeka kwake. 4 Ndiri pakati peshumba; ndinovata pakati pemhuka dzinokara, ivo vanhu vane meno amapfumo nemiseve, vane ndimi dzinopinza seminondo. 5 Kudzwai, imi Mwari, pamusoro pamatenga; kubwinya kwenyu ngakuve pamusoro penyika yose. Sera 6 Vanowaririra tsoka dzangu mimbure, ndakakotamiswa pasi nenhamo. Vakachera gomba panzira yangu, asi vakawiramo vamene. Sera 7 Mwoyo wangu wakasimba, Mwari wangu, mwoyo wangu wakasimba; ndichaimba uye ndichaimba rwiyo. 8 Chimuka iwe mweya wangu! Mukai imi mutengeranwa nembira! Ini ndichamutsa mambakwedza. 9 Ndichakurumbidzai imi, iyemi Ishe, pakati pendudzi; ndichakuimbirai pakati pamarudzi. 10 Nokuti rudo rwenyu rukuru, runosvika kudenga denga; kutendeka kwenyu kunosvika kumusoro. 11 Kudzwai, imi Mwari, pamusoro pamatenga; kubwinya kwenyu ngakuve pamusoro penyika yose.
